Exodus 30

Aritari yeZvinonhuhwira

1“Uite aritari yokupisira zvinonhuhwira namatanda omuunga. 2Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete
0.5 yemita
uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti maviri
0.9 yemita
, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo.
3Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka, 4uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura. 5Uite mapango aya nomuti womuunga uye uafukidze negoridhe. 6Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.

7“Aroni anofanira kupisa zvinonhuhwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje. 8Anofanira kupisazve zvinonhuhwira paanenge achitungidza mwenje zuva richangovira saka zvinonhuhwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. 9Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuhwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo. 10Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”

Mari yeYananiso

11Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 12“Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga. 13Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeri
magiramu angaita 6, uyewo nomundima 15
, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha.
14Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana anopfuura iwayo, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha. 15Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu. 16Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”

Mudziyo woKushambira

17Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 18“Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendarira. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri. 19Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura. 20Pose pavachapinda muTende Rokusangana vachashamba kuitira kuti varege kufa. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, 21vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.”

Mafuta oKuzodza

22Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 23“Tora zvinonhuhwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekeri
makirogiramu angaita 6
emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuhwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe,
24mashekeri omuunga mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehini
marita angaita 4
yamafuta omuorivhi.
25Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuhwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Achava mafuta matsvene okuzodza. 26Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro, 27tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira, 28aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo. 29Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene.

30“Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista. 31Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza kuzvizvarwa zvinotevera. 32Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene. 33Ani naani anoita mafuta anonhuhwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

Zvinonhuhwira

34Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuhwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuhwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana, 35uye ugoita zvinonhuhwira zvakavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Zvinofanira kurungwa nomunyu, uye zvitsvene. 36Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri. 37Usazviitira zvinonhuhwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha. 38Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuhwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”

Copyright information for SnaBDSC